Psalms 4

Kumutungamiri wenziyo nemitengeranwa. Pisarema raDhavhidhi.

1Ndipindurei pandinodana kwamuri,
imi Mwari wangu makarurama.
Ndisunungurei pakutambudzika kwangu;
ndinzwirei ngoni uye munzwe munyengetero wangu.

2Nhai imi vanhu, muchashandura kukudzwa kwangu kukava chinyadziso kusvikira riniko?
Muchada kutsauswa nokutsvaka vamwari venhema kusvikira riniko? Sera
3Zivai kuti Jehovha akazvitsaurira vanomuda;
Jehovha achandinzwa pandinodana kwaari.

4Pakutsamwa kwenyu, regai kutadza;
pamunenge muri pamibhedha yenyu,
nzverai mwoyo yenyu uye munyarare. Sera
5Ipai zvibayiro zvakarurama
uye muvimbe naJehovha.

6Vazhinji vanobvunza vachiti, “Ndianiko angatiratidza chakanaka?”
Chiedza chechiso chenyu ngachipenye pamusoro pedu, imi Jehovha.
7Makazadza mwoyo wangu nomufaro mukuru
kupfuura zviyo zvavo newaini yavo itsva yakawanda.

8Ndichavata pasi ndigokotsira norugare,
nokuti imi moga, Jehovha,
munoita kuti ndigare pakasimba.
Copyright information for SnaBDSC